Skip to main content
The Church of Pentecost logoThe Church of PentecostZimbabwe

Zvinotenderwa Nekereke

The Tenets of The Church of Pentecost, in Shona.

  1. Bhaibheri

    Tinotenda mukufemerwa naMwari kwemagwaro matsvene nesimba rawo uye kushaya mhosho kwebhaibheri pane zvarinotaura nekuvimbika kwaro pane zvarinotema. Kukwana kwaro pane zvarinotipa nekugutsa pakukwanisa kwaro (2 Tim 3:16, 2 Pet 1:21)

  2. Mwari umwe chete wechokwadi

    Tinotendera mukuvepo kwaMwari umwe chete wechokwadi Elohim musiki wepasi rose, asingatsananguriki asi anoratidzwa saMwari vatatu – Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene vamwe chete muchigariro, mune zvavari nemaitiro SaMasimbaose, Muziviwezvose, Aripesepese (Gen 1:1; Mt 3:16-17; 1 John 5:7)

  3. Kuipa kweunhu hwemunhu

    Tinotenda kuti munhu wese akatadza, akatadza kusvika pakubwinya kwaMwari uye akafanirwa nekutongwa kusingaperi, zve anoda kutendeuka nekuzvarwa kutsva (Gen 3:1-19, Isa 53:6, Act 2:38, 17:30)

  4. Muponesi

    Tinotenda kuti kuda kwemunhu muponesi kwakazadziswa mumunhu Jesu Kristu nekuda kwehuMwari, kuzvarwa nemhandara, kusatadza, rufu rwekuripira matadzo, kumuka kuvakafa nekukwira kudenga, kugara kwake achingotireverera uye kudzoka kwake rwepiri (John 8:46; Acts 2:36, Col 1:15, 2 Cor 5:19, Rom 3:25, Phil 2:9-11, 1 Thes 4:16-17, Rev 22:20)

  5. Kutendeuka / Kuregererwa nekunatswa

    Tinotenda kuti munhu wese anofanira kutendeuka. Kureurura zvivi pamberi paMwari, kutenda murufu rwaIshe Jesu Kristu kuti agoregererwa pamberi paMwari. Tinotenda mukunatswa kwevatendi kuburikidza nekushanda kwaMweya Mutsvene nechipo chaMwari cheupenyu husingaperi (Luke 15:7; Act 2:38, Rom 5:16; 1 Cor 1:30, 1 Thes 4:3)

  6. Maitiro erubhabhatidzo nechidyo chaIshe

    Tinotenda mumaitiro erubhabhatidzo rwekunyikwa mumvura mushure mekupupura kweatendeuka, ava kuzvipindurira ane makore gumi namatatu kana kupfuura (Luke 3:21; Mrk 16:16). Zvinofanira kujekeswa kuti vacheche nevapwere havabhabhatidzwe asi vanokumikidzwa kunaShe (Luke 2:22-24, 34, Mk 10:16). Tinotenda mumaitiro eChidyo chaShe anofanira kuitwa (Lk 22:19-20, Matt 26:21-29, Acts 20:7)

  7. Rubhabhatidzo, zvipo nechibereko chaMweya Mutsvene

    Tinotendera mukubhabhatidzwa namweya mutsvene kwevatendi nezviratidzo zvichitevera, kushanda kwezvipo uye kuratidzira kwechibereko chaMweya Mutsvene muupenyu hwavo (1 Cor 12:18-31, Mk 16:17, Acts 2:4, Gal 5:22)

  8. Upenyu huchauya

    Tinotenda mukumutswa kuvakafa kwevakatendeuka nevasina kutendeuka. Avo vakatendeuka vachimutsirwa upenyu husingaperi avo vasina kutendeuka vachimutsirwa kutongwa (Jn 5:28-29, Dan 12:2, Ro 2:7, 6:23, 1 Jn 1:1,2)

  9. Zvegumi nemipiro

    Tinotenda kuti Bhaibheri rinodzidzisa zvakajeka vatendi kubvisa zvegumi kubva pane zvavanowana uye kupa mipiro kunaShe sekuda kwavo kuti umambo hwaMwari husimudzirwe. Tinotenderazve kuti Mwari anoropafadza anopa nemufaro. (Mal 3:10, 2 Cor 8:7, Heb 7:1-4, Acts 20:35)

  10. Kuporeswa naMwari

    Tinotenda kuti kuporeswa kweurwere nezvirwere kwakapihwa kuvanhu vaMwari nekuroverwa kwaIshe Jesu. (Is 53:4-5, Mat 8:7,17, Mrk 16:18, James 5:14-16, Lk 13:1-16).

    Asi kereke haipokani nekutsvaga rubatsiro rwavanachiremba vakadzidzira basa ravo.

  11. Wanano neupenyu wemhuri

    Tinotendera wanano semubatanidzwa wakavambwa nekugadzwa naMwari kweupenyu hwavo hwose mukunzwanana kwakanyanya pakati pemurume nemudzimai semukadzi wake sezvazvakasikwa zvakaitwa. Tinotenda kuti Mwari vakavamba wanano kuitira kufambidzana paupenyu, kubarwa kwevana nekukudza vana muhuMwari kutiwo vana vawane rudo, kukudzwa munhaka yekutenda. (Gen 2:18, 21-25, Mathew 19:4-6, 1 Cor 7:1-2)

    Mhuri ndiwo mhongo, panotenderera kereke, nharaunda, ndudzi nenyika yose. Mhuri inotungamirirwa naJesu uye ine zvinangwa, inobatawo kereke, nharaunda nerudzi rwose nekuraudzira.

    Tinofanira kuedza nepose patinogona kuvaka wanano nemhuru dzakasimba kuti tive neugaro hwevanhu hunopembedzwa.