Mitemo Yemaitiro
Rules of Conduct for members of The Church of Pentecost, in Shona.
Kereke imhuri yaMwari yakadzikinurwa nekunatswa neropa raJesu Kristu.
Saka kereke haisi nzvimbo yekungotandarira asi imhuri yevatsvene vari kudzidziswa nekushongedzwa dzimara tose tasvika pachiyero choukuru nokuzara kwaKristu. (Eph 4:13)
Naizvozvo, zviga zvinotevera zvakaitirwa kukubatsira kufamba nemufambiro wakafanira kudanwa kwako semwana waMwari.
Zvitsaurire nguva yako yerunyararo zuva nezuva yekunamata nekufunganya shoko raMwari. (Matt 6:6, Eph 6:18-20)
Edza nepaunogona napo kugadzirira kuuya kuimba yaMwari kuburikidza nekunamata nekufunganya shoko raMwari. (Heb 4:15-16)
Iva wagara panzvimbo yako nenguva yakanaka shumiro isati yatanga uye batirana nevamwe pane zvose zviri kuitika munguva yeshumiro.
Edza nepaunogona napo, mukutaura nemukuita, kukudza vana vako mukutya Mwari uye uya navo kuimba yaaMwari. Ongorora uone kuti vana vako vari kubatirana pamwe nevamwe muboka ravo ringava revana kana revechidiki. Usaregerera upenyu hwepamweya hwehama dzako kana vanokushandira, vanodawo ruponeso. (Gen 18:19, Josh 24:15, 2 Tim 1:5-6, Prov 22:6, Deut 6:4-7)
Tora mufundisi seshamwari yako. Anodawo kunzwirwawo newe, kubatsirwa nekupangwa mazano sezvaunodawo. Munamatire nguva dzose. (Heb 13:17-18, Rom 15:30-32, Mala 2:7)
Tora kereke semusha wako pamweya. Ida hama munaShe nerudo rwehama uye kana uchikwanisa batsira nekupa zvinodikanwa nevamwe vatendi. (Philemon 1:7, Acts 2:46)
Mukungotaurawo nyaya kubasa kana kumba, usamhura kereke kana vashandiri vaMwari. Zivisa nhunha nezvigumbu zvako kuvakuru kuti vatsanagure kana kugadzirisa. (3 John 1:9-10, Num 12:12)
Edza nepaunogona napo kushingaira uri wega, kudzidza Bhaibheri uye kuritakura nguva dzose paunoenda kuimba yaMwari. (2 Tim 2:15, Acts 17:11, Josh 1:8)
Pinda muimba yaMwari neruremekedzo; namata zvinesimba; nyatsoteerera; rumbidza Mwari nemoyo une kutenda, wokudza Mwari mukunaka kweutsvene. (Ps 118:27-29, Ecc 5:1, Rom 7:12, Jam 1:19)
“Pindai pamasuo ake muchivonga napavazhe dzake muchirumbidza. Chimuvongai murumbidze zita rake.” Ps 100:4
Wanano yakachena nekusafeva munhu asati apinda muwanano kana avamo undizvo zviratidz zvikuru zvekuti munhu muKristu wechokwadi, naizvozvo zvinokurudzirwa zvakasimba pamwana waMwari wega wega. Ufeve neupombwe hazvina nzvimbo mukereke yaMwari. Vanowanikwa mumaitiro aya vanofanira kurangwa nekumbomiswa kana kutodzingwa muruwadzano. (1 Corr 5, Heb 13:4)
Munezvebasa rako, edza nepaunogona napo kushanda zvakavimbika, zvakajeka uye zviri maringe neshoko raMwari. (Prov 16:8, 21:6, 22:13, 16, Jer 17:11; 22:13) Mwana waMwari chaiye haafaniri kushanda nezvinhu zvinozivikanwa zvichikuvadza hutano hwevamwe pamweya, mupfungwa kana panyama. Semuenzaniso, doro, fodya kana zvinodhaka.